Genesis 46

Jakobho anoenda kuIjipiti

1Saka Israeri akasimuka nezvose zvakanga zviri zvake, uye akati asvika kuBheerishebha, akapa zvibayiro kuna Mwari wababa vake Isaka.

2Uye Mwari akataura kuna Israeri muchiratidzo usiku akati, “Jakobho! Jakobho!”

Iye akati, “Ndiri pano.”

3Mwari akati, “Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako. Usatya kuenda kuIjipiti, nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko. 4Ndichaburuka kuIjipiti pamwe chete newe, uye zvirokwazvo ndichakudzosazve. Uye ruoko rwaJosefa chairwo ndirwo ruchazarira meso ako.”

5Ipapo Jakobho akabva paBheerishebha, uye vanakomana vaIsraeri vakatora baba vavo Jakobho navana vavo navakadzi vavo vakavakwidza mungoro dzakanga dzatumirwa naFaro kuti dzivatakure. 6Vakaendawo nezvipfuwo zvavo nepfuma yose yavakanga vawana muKenani, uye Jakobho navana vake vose vakaenda kuIjipiti. 7Akaenda pamwe chete navanakomana vake, navazukuru vake navanasikana vake navanasikana vavo, vana vake vose.

8Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri (Jakobho nezvizvarwa zvake) vakaenda kuIjipiti:

Rubheni dangwe raJakobho.
9Vanakomana vaRubheni vaiva:
Hanoki, Paru, Hezironi naKami.
10Vanakomana vaSimeoni vaiva:
Jemueri, Jamini, Ohadhi, Jakini, Zohari naShauri, mwanakomana womukadzi muKenani.
11Vanakomana vaRevhi vaiva:
Gerishoni, Kohati naMerari.
12Vanakomana vaJudha vaiva:
Eri, Onani, Shera, Perezi naZera (asi Eri naOnani vakanga vafira munyika yeKenani).
Vanakomana vaPerezi:
Hezironi naHamuri.
13Vanakomana vaIsakari vaiva:
Tora, Pua, Jashubhi naShimironi.
14Vanakomana vaZebhuruni vaiva:
Seredhi, Eroni naJareri.
15Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naRea muPadhani Aramu, kunze kwaDhaina mwanasikana wake. Vanakomana navanasikana vake ava vakanga vari makumi matatu navatatu pamwe chete.

16Vanakomana vaGadhi vaiva:
Zefoni, Hagi, Shuni, Ezibhoni, Eri, Arodhi naAreri.
17Vanakomana vaAsheri vaiva:
Imina, Ishivha, Ishivhi naBheria. Hanzvadzi yavo yakanga iri Sera.
Vanakomana vaBheria vaiva:
Hebheri naMarikieri.
18Ava ndivo vana vakaberekerwa Jakobho naZiripa, uyo akanga apiwa naRabhani kuna Rea mwanasikana wake, gumi navatanhatu pamwe chete.

19Vanakomana vaRakeri mukadzi waJakobho vaiva:
Josefa naBhenjamini.
20MuIjipiti, Manase naEfuremu vakaberekerwa Josefa naAsenati mwanasikana waPotifera, muprista waOni.
21Vanakomana vaBhenjamini vaiva:
Bhera, Bhekeri, Gera, Naamani, Ehi, Roshi, Mupimi, Hupimi naAridhi.
22Ava ndivo vakanga vari vanakomana vaRakeri vakanga vaberekerwa Jakobho, gumi navana pamwe chete.

23Mwanakomana waDhani aiva:
Hushimi.
24Vanakomana vaNafutari vaiva:
Jazieri, Guni, Jezeri naShiremi.
25Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naBhiriha, uya akapiwa naRabhani kuna Rakeri mwanasikana wake, vanomwe pamwe chete.

26Vose vakaenda naJakobho kuIjipiti, vaya vakanga vari zvizvarwa zvake chaizvo, tisingaverengi vakadzi vavanakomana vake, vaiva vanhu makumi matanhatu navatanhatu pakuwanda. 27Pamwe chete navanakomana vaviri vakaberekerwa Josefa muIjipiti, vose vemhuri yaJakobho, avo vakaenda kuIjipiti, vakanga vari makumi manomwe pamwe chete.

28Zvino Jakobho akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti aratidzwe nzira yokuenda nayo kuGosheni. Vakati vasvika mudunhu reGosheni, 29Josefa akaita kuti ngoro yake igadzirirwe uye akaenda kuGosheni kundosangana nababa vake Israeri. Josefa paakangosvika pamberi pavo, akambundikira baba vake uye akachema kwenguva refu.

30Israeri akati kuna Josefa, “Zvino ndagadzirira kufa, sezvo ndazvionera pachangu kuti uchiri mupenyu.”

31Ipapo Josefa akati kuhama dzake nokune veimba yababa vake, “Ini ndichaenda kuti ndinotaura naFaro uye ndichandoti kwaari, ‘Madzikoma angu neveimba yababa vangu, vakanga vachigara kunyika yeKenani, vauya kwandiri. 32Vanhu ava vafudzi; vanochengeta zvipfuwo, uye vauya namakwai avo nemombe dzavo nezvose zvavanazvo.’ 33Pamunodanwa naFaro uye akakubvunzai achiti, ‘Basa renyu ndereiko?’ 34imi munofanira kupindura muchiti, ‘Varanda venyu vaiva vachengeti vezvipfuwo kubvira pauduku hwavo, sezvakanga zvichiitawo madzibaba edu.’ Ipapo muchatenderwa kugara munyika yeGosheni, nokuti vafudzi vose vanonyangadza kuvaIjipita.”

Copyright information for SnaBDSC